Muimbi akaita mukurumbira pasi rose, Dorothy Masuka, ashaya.
Masuka, uyo akaberekerwa muZimbabwe muna 1935, ashaya ari pamba pake muJohannesburg kuSouth Africa.
Muzukuru waMasuka, Fortune Hute, audza Studio7 kuti ambuya vake vanga vachinetseka nechirwere High Blood Pressure.
Masuku aive mwana wechina mumba maive nevana vanomwe.
Akaenda kuSouth Africa ave nemakore gumi nemaviri, uko akanotanga kuimba achiri mwana wechikoro.
Panguva iyi ndipo akatanga kufarira musambo weJazz.
Ava nemakore gumi nematanhatu, akasiya chikoro ndokunoimba nechikwata chaPhilemon Mogotsi che African Ink Sports, icho chairidza chiri muDurban.
Asi haana kugara kwenguva yakareba nechikwata ichi muDurban zvichitevera kusungwa kwaakaitwa ndokudzoserwa kuJohannesburg nehurumende yerusarura ganda yaitonga South Africa munguva iyi.
Nepamusana pekunetswa nehurumende yechichena mu South Africa, Masuka akatiza munyika iyi achidzokera kuBulawayo, uko akanoshanda nechikwata che Golden Rhythm Crooners.
Nekupindana kwemakore, Masuka akabatana naHugh Masekela naMiriam Makeba vachiimba musambo weJazz vari kunze kweSouth Africa.
Muna 1961, Masuka akakokwa kunoimbira VaPatrice Lumumba kuDemocratic Republic of Congo. Izvi hazvina kufadza hurumende yevachena muSouth Africa, izvo zvakaita kuti Masuka asatsike gumbo rake muSouth Africa kwemakore makumi matatu nerimwe.
Panguva iyi Masuku akashanda ari munyika dzinoti Malawi, Tanzania neZambia, asi nguva zhinji yake aive muZambia, akazodzokera kuSouth Africa muna 1992 zvichitevera kuburitswa mujeri kwaVaNelson Mandela.
Muna 1990 Masuka akaburitsa dambarefu rakanetsa zvikuru rinonzi Pata Pata.
Dzimwe dzenziyo dzakaimbwa naMasuka dzinosanganisira Hamba Nontsokolo, Nhingirikiri, Khawuleza naDr Malan nedzimwe.