Nhengo yeMDC inomiririra Harare West mudare reparamende Muzvare Joanna Mamombe avo vakasungwa nemusi weMugovera kuNyanga vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende yemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakamiswa pamberi pedare ramejastiriti nezuro.
Asi vari kutarisirwa zvekare pamberi pedare iri nhasi neChipiri kuti vanzwe kuti vachatongwa here kana kuti mhosva yacho icharaswa.
Vachuchusi vehurumende vanoti Muzvare Mamombe vakapesvedzera vanhu vemuHarare West kuti varatidzire muna Ndira apo VaMnangagwa vainge vawedzera mutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari.
Pakupa huchapupu, mumwe anozviti mutikitivha VaDennis Muroiwa vakasiya vanhu vasina mate mukanwa mudare mushure mekunge vakundikana kupindura mibvunzo yakanangana nebasa ravo. Vakatadza kupindura kuti bazi reCID ravakati vanoshandira rinotungamirwa nani kana kudoma mazita evamwe vanhu vavanoshanda navo kana vakuru vavo.
Gweta raMuzvare Mamombe, VaObey Shava vakati zviri pachena kuti VaMuroiwa muuto nekuti vange vasina kana humbowo wekuti mupurisa.
VaMuroiwa vakaguma vosveveredzwa nevatsigiri veMDC mushure mekunge vatadza kupindura mimwe mibvunzo vachingoti yainge isineyi nenyaya iri mudare.
Havana kupindura kuti sei vakasunga Muzvare Mamombe vasingatevedzeri bumbiro remutemo wenyika.
VaShava vakakurudzirawo kuti nyaya iyi iraswe sezvo Muzvare Mamombe vainge vaunzwa kudare padarika maawa makumi mana nemasere sezvinodiwa nebumbiro remutemo.
Mutongi wedare iri Amai Rumbidzai Mugwagwa vari kutarisirwa kupa mutongo wavo panyaya iyi nhasi uye Muzvare Mamombe vakabva vaendeswa kujeri reChikurubi.
Your browser doesn’t support HTML5