Mutongi wedare repamusoro, VaChinembiri Bhunu, vakakwira kumatare edzimhosva vachida kuti varipwe miriyoni imwe chete yemadhora nemubati wehomwe muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaRoy Bennett, vachiti vakavafumura.
VaBhunu vanoti VaBennett vakavafumura mubepanhau reThe Guardian rekuBritain, vachiti vakanga vasingatarisiri kuwana mutongo wakachena sezvo mutongi aibata nyaya yavo mumatare, akanga awana purazi kubva muchirongwa chekupa ivhu kuvanhu vatema.
VaBennett vaipomerwa mhosva yekuda kupfuudza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, asi VaBhunu vakazorasa nyaya iyi vachiti hurumende yakanga yatadza kuburitsa humbowo hwekuroverera VaBennett.
Masvondo apera aya, mapurisa anonzi ainge achitsvaga VaBennett, izvo zvinofungidzirwa kuti zvine chekuita nenyaya iyi.
Rimwe remagweta aVaBennett, VaTrust Maanda, vaudza Studio7 kuti havasati vatambira magwaro ane chekuita nenyaya iyi, kunze kwekungoverengawo nezvenyaya iyi mumapepanhau.