VaJulius Malema veANC Vanoita Hurukuro naVaMugabe

Mutungamiri wezvechidiki mubato reANC kuSouth Africa, Va Julius Malema, vasangana neMuvhuro nemutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, vakakurukura nhoroondo yeminda muZimbabwe.

VaMugabe vatora mukana uyu kutenda South Africa iyo vanoti yaramba yakamira navo panguva iyo nyika 'dzechisveta simba" dziri kuedza kubvisa hurumende yavo kubudikidza nekuitemera zvirango.

VaMugabe naVaMalema vanonzi vakurukura zvakare nyaya yekupondwa kwemuzvina purazi wechichena, VaEugene Terreblanche, avo vakaurayiwa nevashandi vepapurazi ravo vechidiki. Kupondwa kwaVaTerreblanche kunonzi kwakaitika mushure menguva pfupi VaMalema vaimba rwiyo rwemunguva yehondo rwekuti "dubul ibhunu" kana kuti pfura murungu.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti mashoko akadai haana kunaka, sezvo vamwe vanhu vachizopedzisira voisa mitemo mumaoko avo.

Kushanya kwaVaMalema kuri kukonzera kufunga kwakasiyana siyana muZimbabwe pamwe nekuSouth Africa. Vamwe vanoti VaMalema hapana zvavangadzidza kubva Zanu PF, iyo inonzi ndiyo yakapa kuti hupfumi hwemuZimbabwe huparare.

Vari muZimbabwe, VaMalema vanonzi vakasangana nenhengo dzeZanu PF, asi havana kusangana nenhengo dzeMDC.

Mutungamiri weAfrica Governance, Monitoring and Advocacy Project, VaOzias Tungwarara, vanoti zvimwe zvinhu zvakataurwa naVaMalema zvine musoro, asi zvimwe zvacho hazvina nematuro ose.