Imwe nyanzvi munyaya dzemangoda, Va Fillip Van Laere, vekuBelgium, vanoti Zimbabwe inogona kuva nyika yepamusoro penyika dzese dzinochera mangoda kana ikakwanisa kuchera mangoda ekwaMarange zvine hungwaru mukati.
Vachitaura pakuparurwa kwekuvakwa kwemuzinda weZimbabwe Diamond Technology Centre kuMt Hampden muHarare, VaVan Laere, avo vakashanda kumusika Wemangoda ku Antwerp kuBelgium, vati kucherwa kuri kuitwa mangoda kwaMarange pari zvino nemakambani eMbada neCanadile kunoratidza kuti Zimbabwe inogona kuchera makaratsi anodarika mamiriyoni makumi mana kwaChiadzwa chete pagore rega rega.
Vati izvi zvinoreva kuti nyika inenge yave kuwana mabhiriyoni maviri emadhora kubva kumangoda ekwaMarange pagore rega rega.
Vati pari zvino chikamu gumi kubva muzana cheminda yemangoda ekwaMarange ndicho chete chiri kucherwa. Vatiwo mangoda ari kubva kunzvimbo iyi, anogona kuwanda kana imwe nzvimbo yekwaMarange ikacherwa nemakambani ane hunyanzvi.
Vati kana izvi zvikaitika zvinoreva kuti Zimbabwe ndiyo inenge yave nyika iri pamusoro pasi rese mukuchera mangoda ichikunda nyika dzakaita seRussia, Botswana neSouth Africa.
Asi vayambira kuti izvi zvinofanira kuitwa nehungwaru zvichionekwa kuti dzimwe nyika dzine mangoda dzinenge dzichizvifambisa sei nekuti kana mangoda akawandisa pamusika, mutengo wavo unodzikira pasi.
Vachitaura pachiitiko ichi, sachigaro weCanadile Miners, imwe yemakambani ari kuchera mangoda uye iri kuvaka muzinda weZimbabwe Diamond Technology centre nemari inoita mamiriyoni makumi maviri emadhora ekuAmerica, VaCougan Matanhire, vati muzinda uyu uchabatsira kuti mangoda anatsurudzwe pamwe nekukwenenzverwa asati atengeswa.
Vati izvi zvichaita kuti mari inowanikwa mumangoda iwande, uyewo muzinda uyu uchapinza basa vanhu vanodarika zviuru zvinomwe sezvo pachange pachiitwa mabasa akasiyana siyana.
Munyarikani pachiitiko ichi, uye vari gavhuna weMashonaland West, VaFaber Chidarikire, vatenda veCandile Miners vakati muzinda uyu uchaita kuti gurukota rezvemari risatambura nekutsvaga mari sezvo muzinda uyu unenge wave kuunza mari munyika.
Zvichakadaro, gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vazivisa kuti vatanga kutsvaga pfungwa dzevanhu vese munyika maererano nezvevanoda kuti zvive muhurongwa hwemashandisirwo achaitwa mari nehurumende gore rinouya, kana kuti national budget.
VaBiti vaudza vatori venhau muHarare kuti mapazi ehurmende anotarisirwa kunge avapa hurongwa hwawo nemusi wa 1 Gumiguru uye ivo vachatura hurongwa hwavo kuparamende muna Mbudzi.
VaBiti vati vashandi vemubazi ravo, vachibatsirwa nemakomiti anobva kubanga guru renyika, Zimbabwe Revenue Authority nebazi re Economic Planning and Investment Promotion, vachapainda mumatunhu ese enyika vachitsvaga pfungwa dzevanhu nezvavanoda kuti zvive mubhajeti iyi.