America yakatara mwedzi waKurume semwedzi wekucherechedza nhoroondo yemabasa evanhukadzi.
Hurongwa uhu hunodaidzwa nerekuti National Women’s History Month.
Mumwedzi uyu, muAmerica munoitwa zvinhu zvakasiyana siyana, izvo zvinosanganisira kufora, kuratidza mifananidzo nemabasa akaitwa nevanhukadzi, kuratidza mafirimu ehupenyu hwemamwe madzimai akaita zvinhu zvinoyemurwa, izvo zvakange zvisingatarisirwe kuitwa nevanhukadzi mumakore ekare.
Kucherechedzwa kwehurongwa uhu kwemwedzi wose muAmerica kwakatanga muna 1987, asi mavambo ezuva remadzimai pasi rose, akatanga musi wa 8 Kurume 1857 apo vashandi vechikadzi muNew York vakaratidzira kusafara kwavo nemabatirwo avaiitwa pamabasa.
Chizvarwa cheZimbabwe chinodzidzisa kutorwa kwenhau nekufambiswa kwemashoko paTexas State University muAmerica, Doctor Prisca Ngondo, vanoti kucherechedzwa kwemwedzi wenhoroondo yemabasa evanhukadzi kunoreva zvakadzama makore ano kupfuura zvakwaireva makore apfuura sezvo zviri kuitwa mazuva ano zvasanganawo nemasimba ave nevanhukadzi.
Doctor Ngondo vanoti kune madzimai akawanda muAmerica akaita zvinhu zvinoyemurwa nevanhu vazhinji munyika dzakasiyana siyana pasi pose, izvo zvinopa kuti America ive nyika inoremekedzwa pasi rose.
Your browser doesn’t support HTML5