Air Zimbabwe Yotorerwa Vanhu neNdege Itsva yeFly Kumba?

Kambani ye Fly Kumba inoti inobhadharisa vanoda kufamba nendege iyi mari iri pasi peinodiwa ne Air Zimbabwe kuenda ku South Africa

Ndege itsva inonzi Fly Home, yakatanga kushanda muZimbabwe neChina apo yakatakura vanhu kubva ku Johannesburg muSouth Africa, ichienda kuBulawayo, ikadzokera zvakare nevanhu kuSouth Africa.

Kambani yeFly Kumba inoti inobhadharisa vanoda kufamba nendege iyi mari iri pasi peinodiwa ne Air Zimbabwe kuenda ku South Africa.

Ndege iyi inoti ichange ichabhadharisa vanhu mari inoita zana remadhora eku America pamunhu kuti atakurwa kubva muBulawayo kuenda kuJohannesburg nekudzoka kuBulawayo.

Chief Executive ve Fly Kumba, Va Lloyd Muchaka, vati ndege yavo ichange ichipa mukana kune veruzhinji kuitira kuti varerukirwe.

Vati munhu wese anofanira kufamba zvakanaka nendege kwete kuti vapfumi chete vakwanise kuita izvi.

Ndege iyi yaifanirwa kunge yakatanga kuita basa muna Gunyana gore rapera. Asi nepamusana pekuti pane zvimwe zvinhu zvaida kutanga zvagadziriswa, izvi hazvina kuzobudirira.

VaMuchaka vanoti vane hurongwa hwekuti vaite dzimwe ndege dzichange dzichifamba pakati peHarare neJohannesburg, nedzimwe nzvimbo.