Nguva Yakatarwa Kuti veMabhizimusi Vazvise Mamiriro avo Inopera Chitatu

  • Jonga Kandemiiri

Sangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe, EMCOZ, iro rinomirira masangano evemabhizimusi, rinoti nhengo dzaro zhinji dzakaita zviri kudiwa nemutemo wekupa zvikamu zveupfumi kuvatema, zuva rekupedzisira remusi wa14 Kubvumbi risati rasvika.

Hurumende yakapa makambani aya mazuva makumi mana nemashanu ekuti ange azivisa mamiriro aakaita munyaya dzeupfumi, uye kuti hupfumi uhu huri munani.

Hurumende yakadzika mutemo unosungira makambani ose ari munyika kuti atengese zvikamu makumi mashanu nechimwe zvemasheya kuvatema, senzira yekupa hupfumi kuvatema.

Asi vamwe vemakambani ava vakakumbirawo hurumende kuti itarise zvakare nyaya yezvikamu iyi, vachiti dai zvadzikiswa kusvika pazvikamu gumi kana gumi nezvishanu kubva muzana.

Executive Director weEMCOZ, VaJohn Mufukare, vaudza Studio 7 kuti vanotarisira kuti hurumende ichanzwawo chikumbiro chavo, sezvo kurudziro yavo yekuti zvikamu izvi zvidzikiswe yakatsigirwawo nagavhuna webhanga guru renyika reRBZ, VaGideon Gono.