Nhaurirano dzeMapato Ari muHurumende Dzinopinda Muzuva reKupedzisira

  • Jonga Kandemiiri

Nhaurirano pakati pemapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa dzapinda muzuva retatu rinove zvakare zuva rekupedzisira, sezvakarongwa nemuyananisi, uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma.

Chikwata chenhumwa dzaVaZuma chapindawo munyika kuti chigamuchire gwaro rezvichaburitswa nevari munhaurirano, iro richazosvitswa kuna VaZuma.

Nhaurirano idzi dziri kuitwa apo Zanu PF yakazivisa kuti hapana zvakaburitswa pamisangano yakaitwa naVaZuma nevatungamiri vatatu vari muhurumende yemubatanidzwa. Zanu PF inoti hapana zvainogona kuita kana zvirango zvakatemerwa VaMugabe nevamwe vavo nenyika dzekumawirira zvisati zvabviswa.

Ukuwo MDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai yakazivisawo neSvondo kuti kana pasina chaburitswa nenhaurirano idzi panopera mwedzi uno, ichakwidza nyaya iyi kuSADC.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vaudza Studio7 kuiti pangangoita zvidikidiki zvichawiriranwa zvekuti havaoni chikwata chaVaZuma chichidzokera kuSouth Africa chisina chachakabata mumaoko.