Nhengo dzebato reMDC dziri muhurongwa hwekunyorwa kwebumbiro remitemo kuBikita, mudunhu reMasvingo, dzadzokera kubasa neChitatu mushure mekunge dzambomira kuenda kubasa dzichinyunyuta nekuve mudunhu iri kwemutungamiri wevakarwa hondo, VaJabulani Sibanda.
Nhengo idzi dzaipomera VaSibanda mhosva yekukurudzira mhirizhonga zvichitevera misangano yavakaita mudunhu reMasvingo, uye kupiswa kwedzimba dzeimwe nhengo yeMDC kuBikita.
Mumwe wevari kutungamira hurongwa uhu muCOPA kuMasvingo, uye vari nhengo yeparamende, VaHarrison Mudzuri, vanoti vadzokera pandima sezvo VaSibanda vabuda muMasvingo.
Asi VaSibanda vanoti havana mhirizhonga yavakakonzeresa mudunhu reMasvingo.
Mumwe wemasachigaro eCOPAC, Va Douglas Mwonzora, vanoti mamwe matunhu akaita seManicaland, Mashonaland East, Mashonaland Central neMasvingo, haana kuita misangano sezvo panga pasina mafuta edzimotokari.
Vagari vekuMashonaland West vanoti vari kudzingwa mumisangano yeCOPAC vachinzi havasi vagari vemunzvimbo iyi. Vagari ava vanotiwo vari kutadziswa kutaura zvavanoda nevanhu vari kuvatyisidzira.
Pa Corner Shopping Centre muKaroi, vanhu vasere vanonzi vadzingwa mushure mekutaura zvisiri kudiwa nevanhu vakarerekera kuZANU-PF.
Seneta weKariba, VaJohn Mahlaba, vanoti zviri kuitika mudunhu ravo zviri kuoresa moyo.