Nhengo dzeMDC Alliance Dzobatsira Shirikadzi Dziri muHupoteri kuBotswana

Vamwe vatsigiri vebato reMDC Alliance rinotungamirwa naVaNelson Chamisa vachigara muBotswana vave kuita mudemhe mudemhe senzira yekubatsira dzimwe shirikadzi dzakatizira kuZimbabwe nenyaya yemhirizhonga yezvematongerwo enyika.

Dzimwe shirikadzi idzi dzinoti Botswana yakaramba kudzipa hupoteri sezvakaitwa vamwe vari pakamba yeDukwi Refugee Camp.

Mumwe weshirikadzi idzi dzinosvika gumi neshanu dzakapoteri munyika iyi ndiAmai Cathrine Chandaengerwa avo vanorarama nekuita mabhindauko akasiyana siyana mudhorobha reGaborone muBotswana. Vaudza Studio 7 parunhare kuti vanotoona zviri nani kugara vakahwanda munyika iyi nokuti muZimbabwe makaberekera ingwe.

Amai Chandaengerwa, avo vanoti vakapisirwa imba nevafungidzirwa kuti vatsigiri veZANU PF pakati pehusiku, vaenderera mberi vachiti kusamira zvakanaka kwezve matongerwo enyika nehupfumi ndiko kuri kuita kuti varambire muBotswana kunyangwe zvinhu zvooma munyika iyi nokuda kwechirwere cheCOVID-19.

Imwe shirikadzi iyo isina kuda kudomwa nezita ichiti inotya kuitwa murondatsimba nevasori kubva kuZimabbwe vaudza Studio 7 kuti kugara muBotswana kuri nani pane kudzokera kumusha nokuda kwechirongwa chekupihwa chikafu nevamwe vavo vane pavanobata bata.

Sachigaro webato reMDC-Alliance muBotswana iyo iri pasi peSouth Africa Province, VaJohn Pamire vanoti vatsigiri vebato ravo vakatangisa hurongwa uhu mushure mekuona kuti rwuzhinji rweshirikadzi idzi rwakanga rwononga svosve nemuromo munyika yevatorwa.

VaPamire vaudza Studio7 kuti shirikadzi idzi dzinopihwa hupfu, matemba, mupunga, mafuta ekubikisa, sipo dzekuwachisa nekugezesa nezvimwe zvinodiwa pakurarama kwemunhu mwedzi wega wega.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko muZANU PF, VaTafadzwa Mugwadi vanoti ZANU PF haina ropa mumaoko ayo uye mashoko anotaurwa nevatsigiri veMDC ndeekuda kusvibisa bata ravo.

Kunyangwe hurumende yeZimbabwe iri kuti haityore kodzero dzevanhu, zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri muhupoteri munyika dzakaita seBotswana neSouth Africa vamwe nenyaya yezvehupfumi vamwe zvematongerwo enyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Shingirai Madondo