Nhengo nhatu dzebato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, dzakashaya neMugovera mutsaona yemotokari yakaitikira mumugwagwa weGokwe-Kwekwe.
Tsaona iyi yakaitika zvichitevera kuroverana kwakaita motokari dzakanga dzakatakura vanhu vaibva kumhemberero dzekusvitsa makore gumi nerimwe bato iri raumbwa idzo dzakaitirwa kuGokwe.
Vamwe gumi nevatatu vanonzi vakakuvarawo mutsaona iyi, vaviri vavo zvakaipisisa uye vave muchipatara chemuHarare.
Vakashaya ava ndevanoti sachigaro weSaint Mary’s, VaAlex Magunda, mutevedzeri wasachigaro wedunhu reChitungwiza, VaLoveless Sango, pamwe nemunyori weWard 1 muSaint Mary’s, VaInnocent Muzuva.
Mutauriri webato iri, VaNelson Chamisa, vanoti bato ravo rarasikirwa nemagamba eshanduko munyika. VaChamisa vanoti munamato wekurangarira vatatu ava uchaitwa neChipiri kwakare kuChitungwiza vasati varadzikwa munzvimbo dzakasiyana siyana.