Nhengo dzeParamende dzeZanu-PF, MDC neMamwe Mapato Dzotanga Nhaurirano

  • Blessing Zulu

VaNelson Chamisa

Mapato ane nhengo dziri mudare reparamende ange achisangana kuHoliday Inn, kuBulawayo nemusi weMugovera nanezuro kuyedza kuumba hwaro hwekuita nhaurirano.

Musangano uyu wainge uchida kugadzirira nhaurirano huru pakati pevatungamiri vemapato aya vanosanganisa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa uye mutungamiri weMDC-T Doctor Thokozane Khupe.

NPF iyo ine nhengo imwe chete mudare reparamendse yainge irimowo muhurukuro idzi.

Munyori wezvemutemo mubato reZanu-PF VaMunyaradzi Paul Mangwana, vange vachitungamira Zanu-PF munhaurirano idzi uye vanoti dzakakosha mukupa kuti vana veZimbabwe vaite muonera pamwe chuma chemuzukuru pakugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPaul Mangwana

Mashoko aya akatsinhirwawo naSenator weMDC inotungamirwa naVaChamisa VaGideon Shoko avo vakati zvizhinji zvichazoitwa nevatungamiri vemapato kana ivo vakura nzira.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGedion Shoko

Nyika dzakawanda pasi rino dziri kukurudzira mapato ezvematongerwo enyika muZimbabwe kuti aite nhaurirano sezvo zvinhu munyika zvaramba zvakaita manyama amire nerongo.