Kunyange hazvo sangano reZimbabwe Media Council neChitatu rakapa marezinesi kumapepanhau mashanu kuti atange kushanda munyika, vakawanda vanofunga kuti mapepanhau achashanda asina kusununguka.
Nyanzvi munyaya dzekutorwa kwenhau dzinoti mitemo yakaita seAIPPA neBroadcasting Services Act, ichaita kuti mapepanhau ashande asina kusununguka.
Nyanzvi mukutorwa kwenhau, VaRashweat Mukundu, vanoti kupihwa kwaitwa mapepanhau aya marezenisi, chinhu chakanaka. VaMukundu vanoti mitemo yakaita seAIPPA inofanirwa kubviswa kuitira kuti mapepanhau aya ashande akasununguka.
Izvi zvinotambirwawo naAdvocacy Officer weMISA-Zimbabwe, VaThabani Moyo, avo vanotiwo kana mutemo weAIPPA neBroadcasting Services Act zvisina kubviswa, kana kuvandudzwa, hapana kusununguka kunenge kwakaita mapepanhau aya.