Sangano rezvehupfumi kuchamhembe kweAfrica, reMacroeconomic and Financial Management Institute of Eastern and Southern Africa, (MEFMI) rinoti hupfumi hweZimbabwe hunotarisirwa kukura nezvikamu zvina zvine chidimbu kubva muzana (4.5%) mugore rino ra 2018 nekuda kwechivimbo chitsva munyaya dzezveupfumi chakaunzwa nehurumende itsva yave kutonga.
Sangano iri rinotiwo kubva pakapinda VaMnangagwa muna Mbudzi wegore rapera, hurumende yakwezva vekunze vangangoda kudyara mari inoita mabhiriyoni gumi nematanhatu emadhora munyika kuburikidza nekuita mabhizimusi.
Asi nyanzvi mune zveupfmi vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze vanoti maonero esangano iri haana kunyanya kusiyana neehurumende, sezvo gurukota rezvehupfumi, VaPatrick Chinamasa vakaisa tarisiro yavo pazvikamu zvitanhatu kubva muzana.