Muchuchusi Ozvimbirwa neMaitiro Ake Mukutongwa kwaVaBiti

  • Blessing Zulu

VaTendai Biti

Mutongi wedare ramajasitiriti, Amai Gloria Takundwa, nemusi weChipiri vakati vachaenda kudare repamusoro kuti vapihwe mazano ekuti vobata sei kutongwa kwenyaya yemutevedzeri wasachigaro weMDC, VaTendai Biti.

Vakaita izvi mushure mekunge pabuda mashoko ekuti mumwe muchuchusi, VaMichael Reza, vainge voyedza kuda kupindira nekutora divi panyaya iyi.

VaBiti vari kupomerwa mhosva yekutaura zvavaiti zvabuda musarudzo Zimbabwe Electoral Commission isati yazvizivisa.

Asi VaBiti vari kuramba mhosva iyi. VaReza vanonzi vakanyora mashoko panharembozha yavo kuna VaThabani Mpofu vanotungamira bazi rekurwisa huori muhofisi yemutungamiri wenyika, kana kuti Special Anti-corruption Unit in the Office of the President and Cabinet, vachishora Amai Takundwa.

VaReza vaiti zvainge zvaitwa naAmai Takundwa zvekubvumidza vatori venhau kuti vatepfenyure nyaya iyi vasina kupihwa mvumo nemutongi mukuru wematare.

Gweta raVaBiti, Amai Beatrice Mtetwa, vati vareza vanofanira kuferefetwa nemapurisa uye mashoko avo anoratidza sekuti vematare havana kuzvimirira.

Asi vekuhofisi yevachuchusi, VaJonathan Murombedzi, vati vanoda kuti patange paitwa ongororo yekuti VaReza vakatumira mashoko aya here zvechokwadi.

Nyaya iyi yabva yanzi ichanzwikwa musi wa 21 Zvita asi Amai Mtetwa vabva vaisa chikumbiro chekuti VaBiti vapihwe gwaro ravo rekufambisa iro rakabatwa sechibatiso nematare.

Mutauriri weMDC VaJacob Mafume vati havasi kufara nemabatirwo ari kuitwa nyaya iyi zvikuru zviri kuitwa naVaReza zvavati zvinota sekunge mhosva inotongwa ichitariswa kuti wabuda mumba maani.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTendai Biti