Nyaya yeKukurumidza Kuvhota kweMauto Yokonzera Mutauro

  • Taurai Shava

Apo vakawanda vari kuisa maziso avo pagwaro revavhoti kana kuti voters roll, vamwe vanhu vari kuchemachemawo kuti Zimbabwe Electoral Commission haina kunyatsojekesa mafambisirwo emavhoti achatumirwa neposvo, kana kuti postal voting.

Pasi pemitemo ine chekuita nesarudzo vanhu vanoshandira hurumende vari kunze kwenyika, kunyanya vanoshanda kumizinda yevamiriri veZimbabwe kune dzimwe nyika, ndivo vanobvumidzwa kuvhota vari kunyika dzvagere mavhoti avo achizotumirwa neposvo, nenzira inoziikanwa muChirungu kunzi postal voting.

Vanhu vanenge vachida kuita postal voting iyi vanonyorera kuZEC mukati memavhiki maviri kubva pazuva rinenge ragara dare reNomination Court, zvichireva kuti pari zvino kuvhota nenzira iyi kwakatovharwa.

Vanovhota nenzira iyi vanoita izvi mavhiki maviri zuva resarudzo risati rasvika uye magwaro avo anozotumirwa kunzvimbo dzakasiyana siyana zvichienderana nekwavakanyoresa kuvhotera asi mavhoti aya anozoverengwa pamwechete nemamwe ose panopedza vanhu kuvhota.

VeZEC vanoti kune vanhu vanopfuura zviuru zvinomwe vakanyorera kwairi kuti vanoda kuvhota nenzira iyoyi.

Mutauriri webato reZAPU VaIphithule Maphosa vanoti nyaya ye postal voting yagara ine nhoroondo inonetsa munyika vachiti inoonekwa nevakawanda seinoshandiswa kubiridzira sarudzo.

Vanotiwo ZEC haina kunyatsodzidzisa veruzhinji uye kushambadza zvakakwana pamusoro pe postal voting vachiti nerimwe divi havaone chikonzero chekuti ZEC irambe ichida kuti vanhu vavhote nenzira iyi.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube VaKurauone Chihwayi vanotsinhirawo kuti vanoona ZEC isina kunyatsojekesa nyaya ye postal voting. Vanoti nyaya yekuti ZEC inoti havazi vose vanhu vanopfuura zviuru zvinomwe vakanyorera kuti vaite postal voting vachabvumidzwa kuita izvi inoratidza sekuti pane humenemene hunoda kuitwa.

VaTinashe Mawere ndichipangamazanno paUniversity of Pretoria muSouth Africa uye muongorori wezvamtongerwo enyika akazvimirira.

VaMawere vanoti zviri nyore kuti vanhu vafungidzire kuti sarudzo dzinogona kubiridzirwa kuchishndiswa nyaya ye postal voting. Vanoti nyaya yekuti kunopiwa mukana wekuvhota nenzira iyi kuvanhu vanoshandira hurumende chete vamwe vanhu vose vari kunze kwenyika vanokodzera vachinyimwa mukana mumwe cheteyo kunopa mibvunzo.

VaButler Tambo muongorori wezvematongerwo enyika akazvimirira. VaTambo vanotsigira maonero ekuti vamwe vanhu vanoona serusarura kuti kungobvumidzwa vanhu vashoma chete kuti vavhote nenzira iyi iko kune mamiriyoni nemamiriyoni ezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinofanirwa kuve nekodzerowo yekuvhota.

VaTambo vanotshinhirawo kuti nhoroondo ye postal voting muZimbabwe yakaipa vachiti kuti pasave nekufungira zvakaipa pamusoro ZEC inofanirwa kutora matanho akasiyana-siyana kusanganisira kuburitsa pachena mazita evanhu vanonzi vachavhota nenzira iyi.

Amai Ellen Kandororo-Dingani, avo vakafanobata chinzvimbo chemukuru wesangano reZimbabwe Election Support Network, ZESN, vanoti kuti pasave nekufungira zvakaipa panyaya ye postal voting nezvimwe zvose zvainoita zvine chekuita nesarudzo, ZEC inofanirwa kuita zvinhu zvayo pachena uye kuzvipira kutambira zvinyunyuto zvevanhu.

Vachitaura pamusangano wekuzeya nezvesarudzo wakaitwa muBulawayo munguva pfupi yapfuura, mukuru anoona nezvesarudzo muZEC VaUtoile Silaigwana vakati nyaya yekuti vanhu vanoti sarudzo dzinogona kubiridzirwa nekuwedzera mavhoti anenge asipo kungofungidzira chete kwevanhu.

VaSilaigwana vakati sezvo mavhoti achiverengwa vanhu vose vachiona hazvigoneki kuti pazove nekuwedzerera mavhoti asipo.

Asi pave nenguva vemapato anopikisa vachichema nerekuti sarudzo dzinobiridzirwa. Zvichaonekwa mushure mesarudzo dzichaitwa munyika musi wa30 mwedzi uno kuti kuchemachema uku kuchapera here kana kuti kwete.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Taurai Shava