Kutatarika kweMaindasitiri emuBulawayo Kotemesa Vakawanda Musoro

  • Blessing Zulu

Zvinhu zvinonzi hazvina kumira zvakanaka muBulawayo munyaya dzezvemaindasitiri izvo zviri kupa kuti vanhu vakawanda varasikirwe nemabasa. Kuoma kwezvinhu kwava kuita kuti vanhu vanakurirane nyoka mhenyu pahonzeri yedambudziko iri.

Vamwe vanoti nyaya yemaindasitiri ekuMatebeland yave bhora renhabvu yezvematongerwo enyika.

Vamwe vanoti bato reZanu-PF ndiro riri kupa kuti zvinhu muBulawayo zviite manyama amire nerongo. Asi vamwe vanotiwo zvinhu mumaindasitiri munyika yose hazvina kumira zvakanaka.

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vakaumba homwe yemari inosvika mamiriyoni makumi mana emadhora yekuyedza kumutsiridza maindasitiri aya. Asi patotanga kukandiranwa makobvu nematete panyaya iyi.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pavakaenda kuBulawayo kuZimbabwe International Trade Fair muna Kubvumbi, vakati VaBiti ndivo vari kutadzisa budiriro nekusaendesa mari iyi kuMatabeleland.

Asi VaBiti vanoti VaMugabe vanoda kuvazora mafuta enguruve yavasina kudya vachiti pane zvakawanda zvinofanira kutanga zvaitwa vanhu vasati vakwereteswa mari iyi, sezvo vamwe vasingakwanisi kuidzora.

Mutevedzeri wemutungamiri weZimbabwe National Chamber of Commerce muMatabeleland, Amai Sheila Sidambe, vanoti dunhu iri rinoda mari inosvika bhiriyoni imwe chete yemadhora kuti imutsiridze maindastiri.

Mutevedzeri wemurongi wemabasa ezvematongerwo enyika muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaAbednico Bhebhe, vanoti Zanu-PF ndiyo iri kupa kuti makambani avharwe.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru weZimbabwe Youth Council, VaLivingstone Dzikira, vanoti zvinhu zvakangominama munyika yose, kwete muBulawayo chete.