Sangano reZimbabwe National Council for the Welfare of Children rinoti riri kushushikana zvikuru nedambudziko revana vanobuditswa munyika zvisiri pamutemo dzimwe nguva vachiita zvekumbunyikidzwa kana kuti "child trafficking".
Sangano iri rinoti kunyangwe hazvo vana vekuzimbabwe vainge vabatwa mumambure emutemo kuSouth Africa vachinzi vainge vari munyika iyi zvisiri pamutemo vakasunungurwa, dambudziko revana vanoenda kunze kwenyika vasina mapepa richiri kuvatemesa musoro.
Bazi rezvekugara zvakanaka kwevanhu kana kuti Department of Social Welfare remuSouth Africa rinoti vana vasere vari pakati pemakore maviri negumi nemana vakadzoserwa kuZimbabwe nemapurisa ekuRustenburg mushure mekuchengetedzwa kubva gore rapera.
Mukuru wesangano reZimbabwe National Council for the Welfare of Children VaMaxim Murungweni vanoti panoda kuita mushandirapamwe munyika dzekuchamhembe kweAfrica kuti dambudziko iri ripere.