Nyaya yeZvirango Yotsviriridza Zvakare muZimbabwe

  • Jonga Kandemiiri

Ambassador Sten Rylander (file photo)

Nyaya yezvirango zvinonzi zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumawirira, inonzi yava kutsviriridza zvakare, sezvo paita mamwe mapoka ari kuti nyika dzakatemera Zimbabwe zvirango, dzibvise zvirango izvi.

Sweden imwe yenyika dzakatobuda pachena kuti dai zvirango izvi zvabviswa, kuitira kuti zvinhu zvifambire mberi zvakanaka. America inotiwo inogona kubvisa zvirango izvi kana vari muhurumende vakaremekedza chibvumirano cheGlobal Political Agreement.

Musangano weSADC wepagore uchangobva kuitwa kuNamibia wakabuda nezvisungo zvinoti zvirango zvibviswe, sezvo zvinhu zvava kuratidzika zvakanaka kubva pakaumbwa hurumende yemubatanidzwa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vanoti nguva yekuti zvirango zvibviswe haisati yasvika, sezvo pachine zvisati zvagadziriswa muchibvumirano cheGPA.

Asi Campaigns Director weAfrica Action, VaBriggs Bomba, vanoti Zimbabwe yafambisa ndima inofanirwa kucherechedzwawo munyaya dzezvematongerwo enyika, izvo vanoti zvinofanirwa kupawo nyika dzakatemera Zimbabwe zvirango, mukana wekubvisa zvirango izvi.