Nzvimbo Inoongorora Zvirwere Inovhurwa neRubatsiro rweAmerica

America neZimbabwe dzabatana mukuvhura nzvimbo inoongororwa zvirwere kuHarare Central Hospital. Nzvimbo iyi yakawana rubatsiro rwemari kubva kubazi rehurumende yeAmerica, reCentre for Disease Control kana kuti CDC.

Vachitaura pakuvhurwa kwenzvimbo iyi, mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Charles Ray, avo vadimbura rukuvhute rwechirongwa ichi, vati hurumende yavo icharamba ichibatsira Zimbabwe mukuvandudza zvinhu mubazi rezveutano.

Ambassador Ray vati hurumende yavo yakaisa mari inosvika miriyoni imwe nemazana matanhatu ezviuru zvemadhora, kana kuti US$1,6m yekutenga mishina yenzvimbo.

Ambassador Ray vati mari iyi yakabva muhomwe yemutangamiri weAmerica, yePresidents’s Emergency Plan for AIDS Relief, izvo vati zvinoratidza chido chezvizvarwa zvekuAmerica chekudyidzana nedzimwe nyika.

Gurukota rezveutano, Dr Henry Madzorera, vatenda zvikuru vachiti michina nezvimwe zvakadaro zviri mu labaratory itsva iyi, zvachakwanisa kuwanisa Zimbabwe mukana wekuongorora zvirwere zvakasiyana siyana

VaMadzorera vati kushayikwa kwemichina iyi kwanga kuchitadzisa nyika kunyatsovheneka nekukurumidza chirwere cherurindi icho vati chiri kunetsa kubata nekukurumidza.

Nzvimbo yekuvheneka zvirwere ichange ichishandiswa neNational Microbiology Reference Laboraory Centre, iyo inoongorora zvirwere zviri muZimbabwe yese, ichishanda pamwe neBiomedical Research and Training Institute.

Nekuoma kwanga kwaita zvinhu munyika, pasati pava nehurumende yemubatanidzwa, nzvimbo dzekuvheneka pamwe nekuongorora zvirwere muzvipatara zvehurumende, dzakange dzisasashande zvakanaka, izvo zvange zvave kutadzisa vana chiremba kunyatsobatsira varwere zvakanaka.

Bazi reCDC rinoti richabatsirawo zvimwe zvipatara zvidiki zviri munyika, kuitira kuti nzvimbo yaparurwa iyi, isawandirwe nebasa.

CDC iri kubastirawo chirongwa chehurumende chekudzivirira vana amai vakazvitakura kutapurira vana vavo chirwere cheHIV. Chimwe chirongwa chiri kuitwa neCDC ndechekubatsira kuti vashandi vemubazi rezveutano, vasabude munyika nekuvapa mari dzekubatsirikana, kana kuti incentives pamwe nekubatsira vashandi mubazi rehutano kuti vawedzera dzidzo dzavo.