VaChamisa Vokurudzira Hunhu Hutsva Mubato Ravo

  • Blessing Zulu

MDC Chamisa

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti vanoda kuti bato ravo rizvishandure vatsigiri varo vave netsika itsva yekukwanisa kugarisana nevamwe zvakanaka kunyange avo vane pfungwa dzakasiyana nedzavo vachiti izvi ndizvo zvinoita kuti nyika ikwanisse kuenda mberi.

Zviuru nezviuru zvevatsigiri vebato reMDC zvaungana munhandare yeAscot pakuvhurwa zviri pamutemo kwekongiresi yebato.

Mumashoko avo pamusangano uyu VaChamisa vati bato ravo rave rimwe remapato ezvematongerwo enyika muAfrica vakatenda vatsigiri vavo nerutsigiro rwavo.

VaChamisa vati vanoda kuti bato ravo rive netsika yekuve nevanhu vanotambira pfungwa dzinenge dzakasiyana nedzavo senzira yekusimudzira hutongi hwejekerere uho vati ndihwo hunopa hwaro hwakanaka hwekuti nyika ibudirire. Vati vatsigiri pamwe nevakuru vakuru vebato vanofanirwa kusiyana nekutsvaga zvigaro vachishandisa mari.

Pamatambudziko ari munyika VaChamisa vati anopera chete kana makakatanwa aripo pakati pavo nemutungamiri wenyika agadziriswa.

Vavimbisa vatsigiri vavo kuti kana kongiresi yapera vachaita zvose zvavanogona kuti VaMnangagwa vabvume kuti munyika muve nesarudzo itsva dzakachena.

Vatiwo hapana bato rezvematongerwo enyika rinofanirwa kuwona serinonzi ndiro rine kodzero yekuita madiro aJojina nenyika.

VaChamisa vapawo ruremekedzo rwavo kumutungamiri webato reZAPU, VaDumiso Dabengwa, avo vakashaya nemusi weChina vachiti muenzaniso wemurwiri wehondo yerusununguko aive nezvido zvevanhu pamoyo.

VaChamisa vati vakarwa rusununguko, kusanganisira VaMnangagwa, vanofanirwa kuchisiira mukana wehutungamiri kuvanhu vechidiki kuti nyika ikwanise kuenderera mberi kwete kuda kuramba vari panyanga nekusingaperi.

Pfungwa iyi yange yabudiswawo naVaRobert Kyagulanyi Ssentamu avo vanoziikanwa nezita rekuti Bobi Wine vanove mutungamiri webato rinopikisa rekuUganda, avo vange vari munyarikani pachiitiko ichi.

VaWine vati nyika dzakawanda muAfrica dziri kutadza kubudirira nekuda kwehutongi hwehudzvanyiriri.

Ishe Nhlanhlayamangwe Ndiweni, avo vange varipowo pamusangano uyu, vashora vatongi vematare nekupa mutongo wekuti VaMnangagwa ndivo vakakunda musarudzo vakatiwo zviri pachena kuti VaChamisa ndivo vanodiwa nevanhu vakawanda munyika izvo vati zvakafanana nekuve nehurumende mbiri.

Mumiriri weNorton mudare reparamende, VaTemba Mliswa, avo vataurawo pamusangano uyu, vati zvakakosha kuti VaChamisa naVaMnangagwa vagare pasi vataurirane.

Izvi zvatsigirwawo naVaJealous Mawarire vebato reNational Patritic Front.

Musangano uyu wapindwawo nevamiriri vamapato anopikisa vekuKenya kusanganisira VaBabu Awino veOrange Movement Democratic Party nevamwe.

Kongiresi iyi iri kunderera mberi vanhu vanoda kusarudzwa pazvigaro vachipiwa mukana wekuzvishambadza nhasi manheru pozoitwa sarudzo dzeNational Standing Committee.

Kongiresi iyi, iyo yasarudza Va Obey Sithole kuva sachigaro wevechidiki, iri kusarudzawo hutungamiri hweboka remadzimai isati yasarudza National Standing Committee.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Taurai Shava