Mapurisa Oswera Achitandanisa Vanotengesa Mumigwagwa kuMasvingo

Zimbabwe Vendors

Vanotengesa mumigwagwa mudhorobha reMasvingo vanoti vakatsamwa zvikuru nekudzingwa kwavari kuitwa mumigwagwa mavanotengesera zvinhu zvavo.

Vachitaura neStudio7, vanotengesa mumigwagwa vati vacharamba vachiita hwakiti nagonzo nemapurisa nekuti vari kurarama nekutengesa zvinhu mumigwagwa umo vari kudzingwa.

Amai Linete Chidembo vanoti vanorwadziwa nekuti mapurisa ari kuvaudza kuti vari kutumwa ne mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vanoti vakavavhotera.

Mumwe mugari, Amai Esie Munazvo, vanoti ivo chiri kukonzera korera ikanzuru nehurumende dziri kutadza kuita basa razvo nemazvo sekutakura marara pamwe nekuwanisa vagari mvura yakakwana.

Muzvare Shamiso Mutonono vanotiwo kanzura iri kuvabvisa mumigwagwa iri pakati pedhorobha vachivaisa kumapeto kusina vanotenga zvinhu zvavo.

Vaendere mberi vati zvinhu zvavari kutorerwa nemapurisa zviri kuendwa nazvo kudzimba dzvavo vachinozvidya nemhuri dzavo.

Meya waMasvingo , VaCollen Maboke, vaudza Studio7 parunhare kuti hurumende ndiyo yakakomekedza makanzuru kuti abvise vanhu mumigwagwa sezvo munyika maita korera.

Vati kanzuru yeMasvingo haina hurongwa hwekudzinga vanotengesa mumigwagwa.

Studio7 yatadza kubata gurukota rinoona nezvekutongwa kwematunhu, VaJuly Moyo, kuti tinzwe divi ravo.

Asi vanotengesa mumigwagwa vakaita sa Amai Sinodia Hove, vanoti havasi kuzobva nekuti havana imwe nzira yekuraramisa mhuri yavo.

Vashoropodza zvikuru VaMnangagwa vachiti hurumende yavo iri kuda kuhwanda nekorera kuvabvisa mumigwagwa sezvo sarudzo dzakapera vakawana mavhoti avaida.

Mudhorobha reMasvingo mune munhu mumwe chete akafa nechirwere chekorera, uye munhu uyu anonzi akabva nacho kuHarare.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Gandri Maramba