Mapurisa anga akapakatira zvombo apinda ndokusecha mumahofisi ebato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa achiti ari kutsvaga zvombo.
Asi mapurisa aya hapana chaawana paMorgan Tsvangirai House.
Mapurisa akawanda anga akapakatira zvombo asvika masikati na 4 pm ndokusecha mahofisi ebato iri achiti ari kutsvaga zvombo zvaanofungidzira kuti zviri kuchengetwa mumahofisi aya.
Mapurisa akawanda asara ari panze, mapurisa anosvika gumi ndiwo apinda mukati memuzinda uyu achishandisa search warrant raapihwa nematare nhasi.
Mapurisa aya asecha mahofisi ose emu 6th floor kwemaawa maviri, asi hapana zvaawana.
Mushure mekushaiwa zvaanga achitsvaga, mapurisa aya abva adzokera. Hapana munhu arohwa kana kusungwa.
Mukuru wevanoona nezvekuchengetedzwa kweMorgan Tsvangirai House, VaSam Mudzingwa, vanotI mapurisa avaratidza gwaro rinoapa mvumo yekusecha muzinda uyu.
Mutevedzeri wemutaururi weMDC, VaLuke Tamborinyoka, vati havana kufara nezvaitwa nemapurisa zvekutsvaga uta nemugate.
Mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vati vanga vakabatikana kuti vataure neStudio7 pamusoro penyaya yekusechwa kwemahofisi eMDC.
Kusechwa kwaitwa mahofisi aya nemapurisa kunotevera kurwiswa kuri kuitwa vanhu nevanhu vari kuzivikanwa nerekuti mashurugwi avo vari kushandisa mabhemba mukurwisa nekuuraya vanhu munyika, zvikuru munzvimbo dziri kucherwa goridhe.
Your browser doesn’t support HTML5