PTUZ Inoti Varairidzi Voronga Kuramwa Mabasa

Takavafira Zhou

Sangano rinomiririra vadzidzisi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti vadzidzisi vakagadzirira kuratidzira kana kumbomira mabasa nekuti bhajeti rakabudiswa nehurumende rinovaratidza kuti hurumende haina basa nevadzidzisi uye haisi kuteerera zvavari kutaura.

Mutungamiri wesangano iri, Doctor Takavafira Zhou, vati vadzidzisi vachasangana pamusoro penyaya iyi uye zviri kwavari kuti danho rotorwa nderipi.

Doctor Zhou vati, “Zvinoda kubatana kwevarairidzi. Saka kana hurumende ichituma varairidzi kuti varamwe mabasa, vachasangana nazvo.”

Vadzidzisi vanoti Zimbabwe iri kutadza kutevera zvakasungwa nedzimwe nyika maererano nekubatwa kwevadzidzisi naizvozvo inofanira kuita sezvakanyoreranwa muchibvumirano cheDakar Framework 2000 neMaputo Declaration. Zvibvumirano izvi zvinoti bazi rezvedzidzo rinofanira kupiwa zvidimbu makumi maviri nezviviri kubva muzana zvemari yebhajeti rese.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou