Rev Mtata: Vatungamiri veZimbabwe Vakasazvipira VaRamaphosa Havana Chavangakwanise Kuita

VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Nhumwa kubva kumutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa dziri kutarisirwa chero nguva munyika kuzoyedza kupedza bata murefu bata mupfupi yoiitika zvapa kuti zvinhu zvisagadzikane.

Nhumwa idzi dzinoti vaive gurukota VaSydney Mufamadi uye vaive mutevedzeri wedare reparamende amai Baleka Mbete kuti vataure nebato reZanu-PF neanopiksa uye masangano akazvimirira oga.

VeZanu-PF neMDC vanoti vanotambira nhumwa idzi. Asi munyori mukuru wesangano reZimbabwe Council of Churches Reverend Kenneth Mtata vaudza Studio 7 kuti kugadzirisa matambudziko emunyika kunoda vene vacho kuti vazvipire. Vanoti vekunze vanokwanisa kubatsira vanhu vanenge vakazvipira.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naReverend Kenneth Mtata