Gurukota rinoona nezvekunze kweRussia, VaSergey Lavrov, vasvika muHarare neChitatu manheru umo vari kutarisirwa kusaina zvibvumirano zviviri munyaya dzehupfumi zvakanangana nemaindasitiri pamwe nezvekurima.
VaLavrov, avo vatambirwa panhandare yeRobert Mugabe International Airport nemumwe wavo, Doctor Sibusiso Moyo, vachasangana nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, neChina mangwananani.
Vachaitawo musangano naVaMoyo vozosangana nevamabhizimisi vasati vasimuka vakananga kuEthopia.
VaLavrov, avo vasvika muZimbabwe vachibva kuMozambique, vanotarisirwa kusimbisa chitsidzo chakaitwa nenyika yavo apo yakaumba kambani yekuchera Platinum yeGreat Dyke Investments muna 2014.
Vakuru vekambani iyi, iyo inokosha mabhiriyoni makumi mana emadhora, ndevamwe vatambira VaLavrov panhandare.
VaLavrov vanoshanya munyika apo imwe kambani yekuRussia, yeDTZ OZEGEO, iyo yaichera mangoda kuChimanimani, iri kunyunyuta kuti yakabvutirwa mugodhi wayo nehurumende muna 2015.
Kambani iyi yakaudza paramende masvondo maviri apfuura haina kufara nezvakaitika izvi uye inoti kusvika pari zvino haisati yaripwa michina yayo yakatorwa nehurumende yeZimbabwe.
DTZ OZEGEO yakatomhan’ara nyaya iyi kuhurumende yeRussia.