Sangano rakaumbwa nevechidiki kuti rvakurudzirane nekubatsira kunyoresa kuvhota, reProject Vote 263, rinoti rava nemwedzi mishanu richiita basa iri uye rakwanisa kunyoresa vechidiki vanopfuura zviuru zvinomwe.
Mumwe wevakuru vesangano iri, VaAllan Chipoyi, vaudza Studio 7 kuti sangano ravo harinei nemapato ezvematongerwo enyika, vachiti chinangwa chavo ndechekubatsira vechiki kuti vanyorese kuvhota pamwe chete nekuvakurudzira kuti vakwikwidzevo zvigaro zvakasiyana siyana
VaChipoyi vanoti sangano ravo riri kukurudzira hurumende kuti ivandudze mitemo yesarudzo uye kuti ipe vana veZimbabwe vari kunze kwenyika mukana wekuvhota.
Vanoti vari kufamba kumativi mana ose enyika, zvikuru sei kumaruwa, uye vaenda kuzvimbo dzakaita seMutare, Mutasa, Chilonga, Masvingo, Lupane neBulawayo.
Your browser doesn’t support HTML5