Sangano reVashandi kuChamhembe kweAfrica Roshora VaMnangagwa neKusungwa Nhengo dzeZCTU

  • Blessing Zulu

VaEmmerson Mnangagwa

Rimwe sangano revashandi kuchamhembe kweAfrica reSouthern African Trade Union Coordination Council (SATUCC) rashora zvikuru mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nekusungwa kwakaitwa vakuru nenhengo dzesangamo reZimbabwe Conress of Trade Unions kana kuti ZCTU nemusi weChina.

VeZCTU ava vaida kuratidzira kusafararira mutero we kubatira vanhu masendi maviri padhora rega rega kana vachitenga zvinhu nekadhi pamari iri pasi pemadhora gumi.

Munyori mukuru wesangano iri VaAustin Muneku mumashoko avo kuvatori venhau vashora zvikuru VaMnangagwa avo vati pavakasarudzwa vakavimbisa kuremekedza kodzero dzevanhu nevashandi asi havasi kuita saizvozvo. Hatina kukwanisa kubata mutauriri waVaMnangagwa VaGeoerge Charamba.

Asi munyori mukuru weZCTU VaJaphet Moyo vanoti zviri pachena kuti hapana zvakawanda zvakasiyana pakati pevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe naVaMnangagwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJaphet Moyo