Nhengo dzeZanu PF dziri mukomiti yeparamende inoona nezvekushandiswa kwemari nehurumende, iyo ina VaTendai Biti veMDC sasachigaro wayo, dzinoramba kutambira VaTendai sasachigaro wekomiti iyi, sezviri kuitwawo nebato raVaBiti zvekusacherechedza VaEmmerson Mnangagwa semutungamiri wenyika. Izvi zvaita kuti hurongwa hwekunzwa kukambani yeSakunda Holdings, iyo iri kunzi yakaita zvehuori pamari yayakapihwa nehurumende, husanzwikwe pamberi pekomiti iyi.
Makore maviri akwana kubva musi wakaziviswa nyika kuti mauto ainge apindira mune zvematongerwo enyika aine chinangwa chikubvisa matsotsi aive muhurumende pasi pechirongwa cheOperation Restore Legacy. Tiri kunzwa kune vakawanda kuti pane zvavanoyemura here zviri kuitwa nehurumende
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoisa ruoko rwavo pamutemo weMaintenance of Peace and Order Act, vakawanda vachiti mutemo uyu une zvikamu zvinotyora kodzero dzevanhu.
Bazi rezvemari rinoburitsa mazuva achabhadharwa vashandi vehurumende mabhonasi avo, vamwe vachitambira nhasi vakaita semauto, mapurisa, vekumajeri nevezvehutano, asi vamwe vashandi vehurumende vachinzi vachapihwa mari idzi mwedzi unouya.
Vana mukoti muzvipatara zvekanzuru yeHarare vanoti havasi kuzodzokera kumabasa kwavo kudzamara kanzuru yagadzirisa mari dzavari kutambira idzo vanoti ishoma.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zvakaitika makore maviri apfuura apo mauto akapindira mukubvisa VaRobert Mugabe pachigaro chemutungamiri wenyika achiti aida kubvisa kubvisa vanhu vari kuita huori muhurumende. Tiri kutarisa kana nyaya yehuori iyi yagadziriswa kusvika pari zvino
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Your browser doesn’t support HTML5