Makore maviri anokwana nhasi mushure mekunge vaimbove mutungamiri wenyika, muchakabvu Robert Mugabe, vasiya basa mushure mekumanikidzwa kuita izvi nemauto.
Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinozeya mhirizhonga yakaitika muguta reHarare apo mapurisa akatanga kurova vanhu vainge vakaungana pamuzinda weMDC, paMorgan Tsvangirai House nezuro.
Vanhu vakawanda muguta reBulawayo vowana rubatsiro kubva kuchikwata chezvizvarwa zveZimbabwe chinozviti Zimbabwe Citiweans ichi chiri kutsvaka nemari yekurapisa varwere muZimbabwe panguva iyo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi.
Sangano reEuropean Union rinobatsira Zimbabwe nemari inoita mamiriyoni gumi nerimwe emadhora ekuAmerica,iyo ichashandiswa mukutengera vanhu chikafu.
Sangano reHealth Service Board rokumbira hurumende kuti ripihwe mvumo yekuti ipinze vana chiremba vatsva basa sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika zvichitevera kudzingwa basa kwakaitwa vana chiremba.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa mhirizhonga yakaitika muHarare nezuro zvichitevera kurohwa nemapurisa kwakaitwa vanhu vainge vakamira pamuzinda weMDC pa Morgan Tsvangirai House..
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Your browser doesn’t support HTML5