Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Mbudzi 26, 2019

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vanopinda mudare remakurukota nhasi kekutanga mumwedzi mina mushure mekudzoka kunorapwa kuChina.

VeZimbabwe Prisons vanoudza dare reparamende kuti kushaya mari kwave kuvhiringidza mabasa avo.

Bazi rezvemamiriro ekunze reMet Department riri kuyambira nezvemhepo yakasimba mumazuva anotevera apo vanhu vanodarika gumi nevapfumbamwe vafa nekuda kwekurohwa nemheni kana kuyeredzwa nemvura mwaka uno.

Vanhu vochema chema nekukwira kwemitengo yezvinhu zvichitevera kubviswa kwemari dzekubatsira kuti zvinhu zvisadhure nehurumende.

Muchirongwa chedu chevechidiki, cheThe Connection na8 pm nhasi, tiri kutarisa zuva repiri Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika mukucherechedza mazuva gumi nematanhatu ekukurudzira kuremekedzwa kwekodzero dzevanhu kunyanya dzemadzimai nevanasikana.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Mbudzi 26, 2019