Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Zvita 13, 2019

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanohura zviri pamutemo musangano wepagore webato ravo uri kuitirwa kuGoromonzi vachishora kuratidzira nekuramwa mabasa kwakaitwa nevashandi mukati megore rino. Vari kupinda musangano uyu vaudzwawo kuti ruzhinji rweZimbabwe rwuri kutambura zvakanyaanya nekuda kwekusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika.

Sangano reCitizens Manifesto rinoita musangano wekuzeya nzira dzekugadzirisa gakava rezvematongerwo enyika riri muZimbabwe. Musangano uyu wapindwa nemasangano emachechi, mapato ezvematongerwo enyika, masangano evashandi, masangano evemabhizinesi pamwe neevadzidzi vemuzvikoro.

Botswana yoomesera vane mapasipoti akasviba kana asingaverengeke zvakanaka ichivarambidza kupinda munyika iyi panguva iyo vanhu vakawanda vari kuda kunotenga zvinhu zvekushandisa pazororo rekisimusi negore idzva.

Caps United yokweshana neFC Platinum mumutambo uchaona chikwata chinokunda mumutambo uyu chichitora mukombe we Premier Soccer League.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kubuda kumusangano wepagore weZanu PF pamwe nemusangano wanga uchikokerwa neCitizens Manifesto, uyo uri kutarisa nzira dzekuti munyika musave negakava rezvematongerwo enyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.