Misoro yenhau, Chitatu, Ndira 1, 2020

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe vanoti mapurisa ari kuzosuga vose vari kufungidzirwa kuti vakauraya mupurisa kuBattlefiels kunokorokozwa goridhe nemusi weMugovera.

Asi vamwe vanorwira kodzero dzevanhu vari mune zviwanikwa vari kupomera mhosva vamwe vakuru vehurumende yekurega vari kunzi mashurugwi vari kuponda vanhu.

Amai Marry Chiwenga vanonzi vave kurapwa navanachirembe vekujeri reChikurubi.

Tine hurukuro nezvizvarwa zveZimbabwe kubva kumativi mana ose enyika nekunze.

Muchirongwa cheLivetalk Diaspora Forum na8pm tiri kutaura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika nezvegoredzva.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yenhau, Chitatu, Ndira 1, 2020