Vanhu vabata nechirwere cheCovid-19 vava makumi matatu nevanomwe, uye vafa nechirwere ichi vachiri vana munyika yose.
Hurumende inoshanyira zvipatara zvayo muHarare ichiona mamiriro akaita zvinhu muzvipatara izvi.
MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoshoropodza kupambwa kwainoti kwakaitwa nhengo dzayo dzevechidiki nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori nezuro kuWarren Park.
Sangano reCitizen Initiative rinopa rubatsiro rwezvikwanisiro zvekudzivirira kupararira kwehutachiwana hwe coronavirus kuzvipatara zvinoti Karanda ne Mt. Darwin mudunhu reMashonaland Central. Zvikwanisiro izvi, izvo zvinosanganisira magorovhosi, nhumbi dzekupfeka pamwe nemishonga yema sanitizers, zvinokosha zviuru zvitatu zvemadhora ekuAmerica.
Makakatanwa ari kuenderera mberi pakati peMDC inotungamirwa naVaChamisa neMDC inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe.
Kanzuru yeChinhoyi yomanikidzwa nematare edzimhosva kuvaka zvivakwa zvayakaputsira vanhu vanotengesa zvinhu zvavo muguta iri
Muchirongwa che Women’s RoundaTable na 8pm tiri kutarisa kupambwa kunonzi kwakaitwa madzimai matatu eMDC nezuro kuWarren Park muHarare
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave