Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chivabvu 19, 2020

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 vava makumi mana nevatanhatu, uye vafa nechirwere ichi, vachiri vana munyika yose.

Nhengo dzedare reNational Asssembly dzinoungana mudare iri muHarare asi pasina nhengo dzeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, idzo dzakabuda pachena kuti hadzisi kuzoenda kuparamende kudzamara nyaya yadzo yagadziriswa. Mutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, vazivisa kuti paramende ichatanga kushanda svondo rinouya nekupasisa mabhiri emutemo ari pamberi payo.

Nyika nhatu dzeSADC dziri mubazi reSADC Troika on Politics, Defence and Security, dzinosangana muHarare kuti dzizeye mamiriro akaita zvinhu muMozambique.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu oenderera mberi achishora kupambwa nekutochwa kwakaitwa madzimai eMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa.

Kurambidzwa kushanda kwemakombi nemabhazi asiri pasi pekambani yemabhazi yeZUPCO kwokonzera matambudziko ekushaikwa kwechekufambisa, izvo zvave kuita kuti vanhu vaungane munzvimbo dzinokwirirwa michovha panguva iyo nyika iri kurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 munyika.

Mari yebepa itsva inotanga kushanda muZimbabwe, asi nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti izvi hazvisi kuzosimudzira hupfumi hwenyika.

Vechidiki voronga mazano anoita kuti zvinhu zvisanyanyovaomera munguva iyo vakatarisana nechirwere che Covid-19

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki muZimbabwe panguva iyo nyika yakavharwa pachityirwa kupararira kwehutachiona hwe corona virus, uhwo hunokonzera chirwere cheCovid-19

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave