Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro , Kubvumbi, 05, 2021

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Bazi rezvehutano rinoti nezuro munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19

Hurumende inoti vanasikana vechikoro vakabata pamuviri munguva yavange vari kumba nekuda kwechirwere cheCovid-19 vanokwanisa kuenderera mberi nechikoro sezvinotarwa nemutemo.

Zimbabwe inoti yabudirira kuzadzikisa zviga zveUnited Nations zvakanangana nekudzikisa huwandu hwevanhu vanofa nechirwere cheHIV/AIDS, hunozivikanwa nekuti 90-90-90.

Mutambo mukuru wegorofu munyika weZimbabwe Open urikudzoka kwapera makore maviri usingaitwe

Muchirongwa cheLivetalk- na8pm tiri kutarisa nezvezororo reEaster munguva yekuidzivirira chirwere cheCovid-19 uye kubayiwa kwenhomba yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 AM 4930, 6170 NE 7270 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 4930 6040 15460