Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa muHarare nenzvimbo dzakaitenderedza, VaTafadzwa Muguti, vanoti kupwanya kuri kuitwa zvivakwa zvevari kutengesera pasina kutarwa chisungo chedare remakurukota chakanangana nekuchenesa maguta uye vose vari kuita huori kupa vanhu mvumo yekuvaka pasina kukodzera vahasungwa.
Asi MDC Alliance inoti iri kushamisika zvikuru nekuputswa kwezvinhu apo vakawanda vari kutsvaga chouviri mushure mekupinda hurombo nekuda kwechirwere cheCovid-19.
Gurukota rezvedzimba, VaDaniel Garwe, vanoudza vagari vepapurazi reSolomio kuRuwa kuti havasi kuzoputsirwa dzimba dzavo sezvo hurumende yaita chibvumirano nevaridzi vepurazi iri.
Vanhu vatanhatu vakafa neCovid-19 nezuro uye vamwe makumi masere nevatatu vakawanikwa vaine chirwere ichi nezuro wakare.
Sangano reAmalgamated Bus Operators nemakambani eAVM Africa neQuest Motors nhasi vasainirirana chibvumirano chekugadzira mabhazi muZimbabwe izvo zvinoratarisirwa kupedza dambudziko rezvekufambisa rakatarisana neveruzhinji munyika
Sangano rezvizvarwa zveZimbabwe zviri mumatunhu eDistrict of Columbia, Maryland, Vriginia neWest Virginia, reCoalition of Zimbabweans in the DC Area (COZDA), iro rinobatsira vana vari kumusha vanoshaya, rinounganidza mbatya dzemutambo wenhabvu idzo dzichapihwa kuzvikoro zviri kuZimbabwe.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.