Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikumi 22, 2021
Vanhu gumi nevatatu vakafa nechirwere che Covid-19 nezuro, uye vanhu mazana mana negumi nevatanhatu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.
Zanu PF iri kuita misangano yayo ichityora mitemo inobata chirwere cheCovid-19 panguva iyo chirwere ichi chiri kupararira zvakanyanya.
Hofisi yaAuditor and Comptroller General inoti makanzuru emaguta nemadhorobha akawanda munyika haasi kuita basa nemazvo izvo zvatambirwa nasachigaro weUrban Councils Associaton of Zimbabwe, uye vari meya weGweru, VaJosiah Makombe, vachiti vari kugadzirisa zvimwe zvacho.
Vamwe vabereki vochema chema vachikumbira kuti bazi rezvedzidzo yepasi riwedzere nguva yekubhadharwa kwemari dzekunyora bvunzo
Nyanzvi dzehupfumi dzozeya danho rakaziviswa nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe nezuro rekuti mabhanga ose emunyika anosungirwa kubhadhara miripo kana kuti interest pamari dzose dzevanhu dzinenge dzakachengetwa nemabhanga aya sezvinodiwa nemutemo weStatutory Instrument 65A wegore ra2020.
Muchirongwa cheThe Connetion na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyika munguva iyo pasi rose rakatarisana nedambudziko reCovid-19.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.