Bazi rezvehutano rinoti vanhu makumi mashanu nemumwe-51- vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro.
Nyaya yekushomeka kwavanachiremba nevakoti yopa kuti zvinhu zvinyanye kuita manyama amire nerongo muzvipatara apo mhando yechirwere cheCovid-19 inonzi Delta variant youraya vanhu vakawanda munyika.
Muzinda weZimbabwe kuBotswana woshanda nguva shoma pazuva nekuda kwekupararira kwechirwere cheCovid-19 munyika iyi.
Nyanzvi munyaya dzekufamba zvakanaka kwemitezo munguva yehurwere, dzinoti munguva ino yekubatsira varwere veCovid-19, vose vane ruzivo rwakadzama muzvirwere zvakasiyana siyana munyaya dzehutano vanofanirwa kuita muonera pamwe chete chuma chemuzukuru pakubatsira varwere veCovid-19.
Sangano revarairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, rinoparura zvidzidzo zvinoshandisa masaisai, zvepadandemutande zvakanangana nekubatsira vana vari kutarisirwa kunyora bvunzo gore rino, dzeGrade 7, Ordinary Level neAdvanced Level.
Tichakupai zviri kubva kumitambo yemaOlympics kuTokyo, Japan
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa dambudziko rechirwere cheCovid-19 razunza nyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.