Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gunyana 27, 2021

Shona Headlines

Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nezuro uye chirwere ichi chiri kuramba chichipararira zvakanyanya muzvikoro.

Sarudzo dzebato reZanu PF dzekutsvaga hutungamiri hwematunhu madiki munyika yose dzakaitwa svondo rapera dzinonzi dzakakanganiswa mune mamwe matunhu zvichitevera kurwisana kwezvikwata zvinonzi zvinotsigira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutevedzeri wavo VaConstantino Chiwenga, izvo zvinonzi zviri kurwira masimba mubato iri.

Kanzuru yeHarare yokundikana kuvhota kutsvaga meya anotsiva VaJacob Mafume veMDC Alliance vakambomiswa basa panyaya yehuori yavari kupomerwa yave nemwedzi inodarika gumi isina kutongwa nematare. Tichakupai zvizere.

Vagari veguta reMutare vane chikwereti kukanzuru yeguta iri chinopfuura mamiriyoni zviuru mazana mapfumbamwe emari yemunyika kana kuti ZW$900 million zvodzosera mabasa ekanzuru kumashure.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika panguva iyo pasi rose rakatarisana nedambudziko rechirwere cheCovid-19 uye mitemo yehurumende inonzi inombunykidza masangano akazvimirira oga.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.