Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Mbudzi 22, 2021

Misoro yeNhau

Bazi rezvehutano rinoti Zimbabwe nezuro yakapinda muzuva rechina pasina munhu afa nechirwere cheCovid-19. Asi nyanzvi dziri kuyambira kuti vanhu vakasabayiwa nhomba, chirwere ichi chinogona kudzoka zvine mutsindo.

Vaive mutauriri weZanu-PF uye gurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaSimon Khaya Moyo varadzikwa kumarinda eHeroes Acre nhasi.

Mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa vonderera mberi vachitsvaga rutsigiro kuMatabeleland pamberi pesarudzo dzemaby-elections dziri kutarisirwa kuitwa gore rinouya.

Hurumende nhasi iri kuita musangano nevashandi vayo panyaya yemabhonasi nemari yekubatsirikana.

Vanhu vokurudzirwa kuti vapote vachivhenekwa chirwere cheshuga chisati chakomba sezvo vakawanda vari kurarama nacho asi vasiri kuzviziva.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yechirwere cheCovid-19 uye kuradzikwa kwegamba renyika VaSimon Khaya Moyo vaive mutauriri webato reZanu-PF.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.