Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Ndira 03, 2018

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Ndira 03, 2018

Gurukota rezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko, VaSupa Mandiwanzira, voferefetwa neZimbabwe Anti Corruption Commission, zvichitevera huori hwavanonzi vakaita kumambani yeNetOne.

Vanotengesa mumigwagwa vanoti havazivi kuti mhirizhonga yakaitika muHarare nezuro yakazosvika seyi kuHarvest House nekuti gakava raivepo raive pakati pevanotengesera zvinhu zvavo mumigwagwa ava.

Vagari vemuguta reHarare voshushikana zvikuru nedambidziko rekushaikwa kwemari yekuchenesa mvura kunyange hazvo bhanga guru rakavimbisa mwedzi uno kupa guta iri mari yekuchenesa mvura.

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxilia Mnangagwa, vanopa vana vanoshaya zvekudya kuManicaland

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm, tiri kutarisa zvakaitwa nevanhu vakakwanisa kuenda kumusha pazororo rekisimusi negore idzva.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/