Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Ndira 26, 2018

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Ndira 26, 2018

Nhengo dzeMDC dzinoungana muHarare dzichinamatira mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanopinda mumusangano wayo wekutanga semutangamiri wenyika, weAfrican Union muAddis Ababa kuEthiopia.

Nhengo dzeMDC-T dzinosungwa kuMatabeleland North mushure mekunge dzaita zveginya kutora mupunga uyo wanga uchipihwa nhengo dzeZanu P chete.

Vagari vakawanda muBulawayo vanoti vanoda kuti bhiri remutemo unobata mashandiro emakambani ehurumende riburitse pachena matanho anofanirwa kutorwa pavakuru vemakambani aya vanenge vachiita zvehuori.

Muimbi ane mukurumbira, Jah Prazah, ari kurova ngoma manheru anhasi apo mutambi wetsiva, Elvis ‘ The Bomber’ Moyo, ari kupinda munhandare achirwira bhande re World Boxing Federation remuAfrica rehururemu hwe heavyweight.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutaura pamusoro pemhirizhonga iri kuitika muSouth Africa panguva iyo hurumende yemunyika iyi iri kuita chirongwa cheOperation Fiela Two.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/