Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kurume 15, 2018.

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kurume 15, 2018.

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kurume 15, 2018.

SADC Parliamentary Forum inoti vatori venhau vanoita basa guru munguva dzesarudzo uye nyika dzese dzekuchamhembe kweAfrica dzinosungirwa kudzika mitemo inoita kuti vatori venhau vashande vakasununguka.

Mukuru weUnited Nations Development Program anosvika muZimbabwe kunoita hurukuro nehurumende, mapato ezvematongerwo enyika, pamwe nemasangano akazvimirira pamusoro pesarudzo dzichaitwa munyika gore rino.

Veruzhinji vokurudzirwa kuchengeta vakweguri vavo kwete kuvaendesa kumisha inochengetwa chembere neharahwa.

Vagari vochema chema nekuoma kuri kuita zvinhu muhupenyu hwavo, zvikuru kukwira kwemitengo yezvinhu panguva iyo pasi rose rinocherechedza zuva reWorld Consumer Day.

Vanotengesa zvinhu zvavo mumigwagwa muBulawayo vanodarika nguva yavakanzi vange vabva mavanotengesera nemazuva gumi nemana.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm, tiri kutarisa matambudziko akatarisana nevanhukadzi munguve mumaguta kana kumaruwa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/