Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gunyana, 19, 2018.

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gunyana, 19, 2018.

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gunyana, 19, 2018.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vashanyira nzvimbo dzine vanhu vari kurapwa chirwere checholera kuGlen View 1 Polyclinic ne Beatrice Road Infectious Diseases Hospital.

Zimbabwe yochema chema nenyaya yekuti zvizvarwa zvayo zviri kutyorerwa kodzero pazviri kuenda kuZambia apo zviri kupihwa mapiritsi kuti zvionekwe kuti hazvina cholera here.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa votoresa mhiko nhengo dzekomisheni ichaongorora kupfurwa kwakaitwa vanhu muHarare musi wa 1 Nyamavhuvhu.

Vagari vekuMasvingo vakavharirwa mvura nenyaya yekutadza kubhadhara mari yemitero vanoti vanoda kuti kanzuru imbovavhurire mvura vachityira kuti vanogona kutapurirwa chirwere cheCholera.

Kutadza kuita nhaurirano pakati peMDC neZanu-PF kunonzi nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi kwave kukonzera kusagadzikana munyika uye kusamira zvakanaka kwenyaya dzezvehupfumi.

Muchirongwa cheLivetalk-Diaspora Forum, tiri kutarisa mashoko emutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ekuti Zimbabwe icharamba ichishandisa dhora rekuAmerica kutsigira hupfumi hwenyika. Asi vamwe vari kukurudzira Zimbabwe kuti ive nemari yayo. Imi vari kunze kwenyika munotii?

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.