Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Zvita 21, 2018.

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Zvita 21, 2018.

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Zvita 21, 2018.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanosangana nevadzidzisi vachivavimbisa kuti vachaedza nepavanogona napo kugadzirisa zvichemo zvavo, asi panyaya yekuti varairidzi vatambiriswe mari yekuAmerica, VaMnangagwa vati vachatanga vagara pasi negurukota rezvemari, VaMthuli Ncube.

Vanhu vakawanda vanotadza kutora mari dzavo mumabhanga panguva iyo vanhu vari kunetseka zvikuru nekutsaga mari yekuti vashandise panguva yezororo rekisimusi negore idzva.

Dare redzimhosva rinopa mutongo wekuti varidzi vemugodhi weRan Mine vabhadhare vashandi vepamugodhi uyu mari inodarika mamiriyoni gumi nemaviri emadhora, uye kuti mapurisa asanetse vashandi ava.

Varimi vachena vakatorerwa minda yavo muZimbabwe pasina muripo vonangana nevaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, zvichitevera mutongo wedare remuSouth Africa wekuti zvakaitwa nehurumende yaVaZuma pamusoro pedare reSADC Tribunal zvaive zvisiri pamutemo.

Vanorarama neHIV/AIDS votadza kuwana mushonga inovakwanira inoderedza marwadzo anokonzerwa neHIV/AIDS, kana kuti Anti-Retrovial Drugs.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa gadziriro yezororo rekisimusi negore idzva vakawanda vachiti havana chekubata.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.