Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Ndira 02, 2019.

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Ndira 02, 2019.

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Ndira 02, 2019.

Kusawirirana kuri kuramba kuchiitika pakati pehurumende navana chiremba vari kuramwa mabasa kwosvika padanho rakaipisisa sezvo zvinhu zvaita manyama amire nerongo muzvipatara zvose zvehurumende.

Kanzuru yeguta reHarare inoti yava kuronga kuwanisa vanhu mvura munguva dzakasiyana siyana sezvo yawirwa nedambudziko rekutadza kuchenesa mvura inokwanira munhu wese muguta iri.

Vanhu vakawanda munyika votsvaka rubatsiro rwemari kuhama neshamwari dziri kunze kwenyika sezvo vanhu vari kuomerwa nehupenyu muZimbabwe zvichitevera kuoma kwezvinhu munyika.

Kambani yeDelta, iyo inogadzira zvinwiwa nedoro, inoti yava kutengesa zvigadzirwa zvayo nemadhora ekuAmerica kuitira kuti iwane mari yekutenga zvinodiwa kunze kwenyika kuitira kuti irambe ichiita basa rayo.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa mutoro uri kutorwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika mukubatsira hama neshamwari dziri muZimbabwe dziri kukundikana kuendesa vana kuchikoro nepamusana pekushaya mari sezvo zvinhu zvakaoma munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave