VaZuma Vopihwa Gwaro reNhaurirano Dzisina Kupera?

  • Blessing Zulu

Nhumwa dzeSouth Africa dzakatumwa kuZimbabwe dzinonzi dzapihwa neChitatu manheru gwaro rezvabuda munhaurirano pakati pemapato ari muhurumende yemubatanidzwa.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti gwaro iri harina zvinhu zvizhinji zvakanzi nemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, zvinge zvagadziriswa pakasvika zuva remusi wa30 Kurume.

VaZuma vakasiya vaudza vari munhaurirano idzi kuti vabude negwaro rinofanirwa kusvitswa kwavari nemusi wa31 Kurume. Asi Zanu PF inoti hapana zvakawiriranwa pakauya VaZuma.

Chipangamazano chaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vanoti kunonoka kwegwaro iri kwange kuripo nezvikonzero zvakasiyana siyana.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti gwaro iri rakazopihwa nhumwa idzi neChina manheru asi painge pasina kuwirirana sezvo Zanu-PF iri kuti zvirango zvayakatemerwa zvitange zvabviswa pasati pawiriranwa nyaya dzakaita sedzekugadzwa kwemagavhuna.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kunetsana nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamusoro penyaya dzakawanda.

Dzimwe nyaya dziri kunetsa muhurumende iyi matanho akatorwa naVaMugabe pakugadza kwavakaita gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, pamwe nemuchuchusi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana, vasina kugara pasi naVaTsvangirai sezvinodiwa nechibvumirano chekuvaka hurumende yemubatanidzwa.

Chibvumirano ichi chakanyoreranwa pasi musi wa 15 Gunyana 2008. Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika pamwe nemitemo dzinoti kubva musi wakanyoreranwa chibvumirano ichi, VaMugabe havana zvavaifanirwa kuitwa sezvo hurumende yavo yakanga isipo.

Dzimwe nyaya dziri kunetsa muhurumende iyi ndedzekugadzwa kwemagavhuna eMDC mumatunhu akakunda bato iri musarudzo dzemuna 2008. VaMugabe vari kurambawo kugadza mubati wehomwe muMDC, VaRoy Bennett, vachiti vachaita izvi kana VaBennett vachenurwa nematare edzimhosva panyaya dzavari kupomerwa.

Dare redzimhosva ranga richifanirwa kupa mutongo waro panyaya iri kupomerwa VaBennett neChitatu, asi izvi zvava kuitwa munguva inotevera.

Hurumende yapomerazve neChitatu imwe mhosva kuna VaBennett yekuchengeta chibage zvisiri pamutemo muna 2001.

VaPedzisayi Ruhanya vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari programmes manager wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition.

VaRuhanya vanoti kuoma musoro kweZanu-PF ndiko kwava kupa kuti nhaurirano dzisapere.