Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaposa, vakumbira ruregerero kuvanhu vanga vari kuNational Sports Stadium pamusoro pemhirizhonga iri kuita kunyika kwavo vachiti vane hurombo nezvakaitika sezvo zvisingaenderane nezvinhu zvaidiwa nevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nevamwe vatungamiri vakaita saVaNelson Mandela.
Vachitaura kuNational Sports Stadium mushure mekusveveredzwa nevanhu, VaRamaposa vati zvakaitika kunyika kwavo hazvina kunaka uye hazvisi zvinhu zvakarwirwa nevatungamiriri vakaita saVaMugabe.
VaRamaphosa vati South Africa inyika isingavenge zvizvarwa zvedzimwe nyika dzemuAfrica vachiti nyika idzi dzakabatsira South Africa apo yaive panguva yakaoma.
Veruzhinji vazofarira mashoko aVaRamaphosa mushure mekunge vakumbira ruregerero nekuda kwemhirizhonga iri kuitika kuSouth Africa.
VaCris Mutsvanga ndemumwe weavo vafara chose nekuda kwezvaitwa naVaRamaphosa.
Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vaudza Studio 7 kuti vanokudza zvikuru zvaitwa naVaRamaposa.
VaRamaphosa, mumwe wevatungamiri venyika dzemuAfrica vanga vari kuNational Sports Stadium.
Mutungamiri weKenya, VaUhuru Kenyatta, varumbidza VaMugabe nebasa guru ravakaita pakusungura Zimbabwe neAfrica.
Vamwe vanga vari pahurongwa uhu vanosanganisira vaimbovc mutungamiri weGhana, VaJerry Rawlings, VaKenneth Kaunda vekuZambia, VaOluseguni Obassanjo vekuNigeria nevamwe.
Mutumbi waVaMugabe unotarisirwa kuenda kumusha kwavo kwaZvimba mangwana uye ndivo gamba rezana nemakumi matatu neshanu richaradzikwa paNational Heroes Acre, asi zuva richaitwa izvi harisati razivikanwa.
Pane magamba gumi nemaviri echidzimai akaradzikwa paHeroes Acre anosanganisira mukadzi waVaMugabe wekutanga, Amai Sally Heyfron Mugabe.
Zvichakadai VaMangwana vati VaMugabe vachavigwa muguva repamusoro soro rinonzi Musoleum iro rave kugadzira nehurumende paHeroes Acre.
VaMangwana vati madzishe nemhuri yaVaMugabe vakatotara guva raVaMugabe, uye mutumbi waVaMugabe uchazovigwa muguva iri kana rapera kugadzirwa.
VaMangwana vati ijana remhuri kuchengeta mutumbi apo guva raVaMugabe rinenge richigadzirwa.
VaMangwana vati hurumende ndiyo ichabhadhara zvese zvichaitwa pakugadzirisa guva raVaMugabe.
Nyanzvi munyaya dzekuchengeta zvitunha dzinoti zvinokosha madhora ekuAmerica makumi mashanu kana kudarika kuchengeta chitunha pazuva.
Your browser doesn’t support HTML5